1Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza.
2Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.”
3Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso.
4Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi, uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.
5Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; izvi ngazvizivikanwe pasi pose.
6Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni, nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”