MAPISAREMA 11:1-7 OSCB - Bible AI

1Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri.

2Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo.

3Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?”

4Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza.

5Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga.

6Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.

7Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.

e>