1Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.
3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;
4zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.
5Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;
6zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.
7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;
8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.