MAPISAREMA 124:1-8 OSCB - Bible AI

1Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,

2dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu,

3apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;

4mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,

5mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.

6Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.

7Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.

8Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.

le>