MAPISAREMA 128:1-6 OSCB - Bible AI

1Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.

2Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

3Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.

4Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.

5Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema,

6uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.

le>