1Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!
2Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.
3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.
4Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo.
5Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.
6Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.
7Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
8Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo.
9Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema.
10Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
11Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.
12Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
13nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
14Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
15Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.
16Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota.
17Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova?
18Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.
19Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.
20Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.