MAPISAREMA 28:1-9 OSCB - Bible AI

1Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.

2Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.

3Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

4Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.

6Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.

8Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

9Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

e>