MAPISAREMA 3:1-8 OSCB - Bible AI

1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!

2Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera

3Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera

5Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.

7Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.

8Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera

>