MAPISAREMA 54:1-7 OSCB - Bible AI

1Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.

2Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.

3Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera

4Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.

5Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.

7Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

e>