MAPISAREMA 6:1-10 OSCB - Bible AI

1Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.

2Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

e>