MAPISAREMA 82:1-8 OSCB - Bible AI

1Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera

3Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.

5“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6“Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’

7Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”

8Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

e>